2 Corinthians 7

1Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.

Mufaro waPauro

2Tigadzirireiwo nzvimbo mumwoyo yenyu. Hatina munhu watakatadzira, hatina munhu watakanyengera, hatina munhu watakaitira zvisakarurama. 3Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi. 4Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo.

5Nokuti patakasvika kuMasedhonia, muviri wedu uyu hauna kuwana zororo, asi takatambudzwa kumativi ose, zvaiti kukakavara kunze, nokutya nechomukati. 6Asi Mwari anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza pakauya Tito, 7kwete nokuda kwokuuya kwake bedzi, asiwo nokuda kwokunyaradza kwamakamupa. Akatiudza nezvokundishuva kwenyu, kusuwa kwenyu kukuru, nokuva nehanya kwenyu pamusoro pangu, saka mufaro wangu wakava mukuru kwazvo.

8Kunyange zvazvo ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidembi nokuda kwaizvozvo. Kunyange zvangu ndakazvidemba, ndinoona kuti tsamba yangu yakakurwadzai, asi kwenguva duku chete, 9asi zvino ndinofara, kwete nokuti makachema, asi nokuti kusuwa kwenyu kwakaita kuti mutendeuke. Nokuti makava nokusuwa kukuru sezvaidiwa naMwari uye nokudaro hamuna kukuvadzwa nesu nenzira ipi zvayo. 10Nokuti kusuwa kwoumwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu. 11Tarirai zvaitwa mamuri nokusuwa uku kwoumwari: kushinga kukuru kwakadii, ishungu dzakadii kuti muzvichenese, kutsamwa kwakadii nokutya kwakadii nechishuvo chakadii, nehanya yakadii, nokuda kuona kururamisira kuchiitwa kwakadii. Pazvinhu zvose mazviratidza kuti hamuna mhosva panyaya iyi. 12Saka kunyange zvangu ndakakunyorerai, ndakanga ndisingazviiti nokuda kwaiye akaita zvakaipa, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvakaipa, asi kuti pamberi paMwari mugone kuzvionera kuti makazvipira sei kwatiri. 13Naizvozvi zvose tinokurudzirwa.

Pamusoro pokukurudzirwa kwedu, takanyanya kufadzwa zvikuru nokuona mufaro wakanga una Tito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose.
14Nokuti ndakanga ndazvirumbidza kwaari pamusoro penyu, uye hamuna kundinyadzisa. Asi sezvo zvose zvatakataura pamusoro penyu zvaiva chokwadi, saka kuzvirumbidza kwedu kuna Tito pamusoro penyu kwakaratidza kuti ndokwechokwadiwo. 15Uye rudo rwake kwamuri rukuru kwazvo paanorangarira kuti mose makanga muchiteerera, pamakamugamuchira nokutya nokudedera. 16Ndinofara kuti ndinogona kuvimba nemi zvizere.

Copyright information for SnaBDSC